Moçambique sob vários olhares: Olhares sobre a familia nos moldes bíblicos.

15- Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera,

16- muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.

17- Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi.

18-Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora.

Asi, muzadzwe noMweya.

19- Mutaure kuno mumwe nomumwe namapisarema, nedzimbo uye

nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu,

20- muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.

21- Muzviise pasi pomumwe nomumwe muchitya Kristu.

Vakadzi naVarume

22- Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She. 23- Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo.

24- Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.

25- Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo 26kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko,

27- uye ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa. 28Nenzira imwe

cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake.

29- Pana izvozvo zvose, hakuna munhu akatongovenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke, 30nokuti tiri nhengo dzomuviri wake.

31- “Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba namai vake uye asanganiswe nomukadzi, uye vaviri vachava nyama imwe chete.” 32Ichi ndicho chakavanzika chakadzika, asi ndiri kutaura

pamusoro paKristu nekereke.

33-Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira uremekedza murume wake.

VAEFESO 5.v. 21 a 33

A Bíblia evidencia o modelo familiar exemplar, onde o amor divino é exemplificado ou tipificado pelo amor de Cristo pela Igreja.

Quando o modelo bíblico é seguido Cristo é glorificado, e os resultados são de boa qualidade.

Seja este o desafio a buscado e conseguido para um viver produtivo enquanto no mundo estivermos.

nana caperuccita e Biblia em Shona
Enviado por nana caperuccita em 06/02/2013
Reeditado em 06/02/2013
Código do texto: T4126476
Classificação de conteúdo: seguro